3 John

1Mukuru, kushamwari yangu inodikanwa Gayo, wandinoda muchokwadi.

2Mudikani, ndinonyengetera kuti uve noutano hwakanaka uye kuti zvose zvikunakire kunyange sokufara kwomweya wako. 3Ndakafara kwazvo dzimwe hama padzakauya dzikandiudza nezvokutendeka kwako pachokwadi uye kuti unoramba uchifamba sei muchokwadi. 4Hapana chimwe chinhu chinondifadza kupfuura kunzwa kuti vana vangu vari kufamba muchokwadi.

5Mudikani, wakatendeka pane zvaunoita kuhama, kunyange vasiri vanhu vaunoziva. 6Vakataurira kereke nezvorudo rwako. Uchaita zvakanaka kana ukavadzosazve nenzira yakafanira pamberi paMwari. 7Nokuda kweZita iri vakabuda, vasingagamuchiri rubatsiro kubva kuvahedheni. 8Naizvozvo tinofanira kugamuchira vanhu vakadai kuti tishande pamwe chete muchokwadi.

9Ndakanyorera kukereke, asi Dhiotirefesi, iye anoda kuva mukuru, akati haagamuchiri zvatinotaura. 10Saka kana ndauya, ndichamuyeuchidza mabasa ake aanoita, okunyeya, nokuitira godo. Kwete izvozvo zvoga, anorambawo kugamuchira hama. Anodzivisawo vaya vanoda havo kuita izvozvo uye achivabudisa mukereke.

11Mudikani, usatevedzera zvakaipa asi zvakanaka. Ani naani anoita zvakanaka ndiye anobva kuna Mwari. Ani naani anoita zvakaipa haana kuona Mwari. 12Dhemetriasi anopupurirwa zvakanaka navose, uye kunyange nechokwadi chaicho. Nesuwo tinotaura zvakanaka nezvake, uye munoziva kuti uchapupu hwedu ndohwechokwadi.

13Ndine zvizhinji zvokukunyorera, asi handidi kuita izvozvi nechinyoreso neingi. 14Ndinovimba kuti ndichakuonai nokukurumidza, uye tichazotaurirana chiso nechiso.

15Rugare kwamuri.

Shamwari dziri kuno dzinokukwazisai. Kwazisai shamwari dziri ikoko namazita avo.

Copyright information for SnaBDSC